Revhitiko 15:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

2. “Taurai navaIsraeri muti kwavari, ‘Kana murume ane zvimwe zvinoerera, zvinobuda pamuviri wake, achava asina kunaka nokuda kwokuerera uku.

3. Kunyange zvikaramba zvichibuda mumuviri wake kana kuti zvikamira zvichamuita kuti ave asina kuchena. Izvi ndizvo zvinoita kuti kuerera uku kumuite kuti ave asina kuchena.

Revhitiko 15