Ezekieri 40:6-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ipapo akaenda kusuo rakatarisa kumabvazuva. Akakwira nezvikwiriso zvarwo ndokuyera chikumbaridzo chesuo; chakanga chichiita tsvimbo imwe chete pakudzika.

7. Makamuri avarindi akanga akaenzana netsvimbo imwe chete yokuyera paurefu uye tsvimbo imwe chete paupamhi, uye masvingo apakati pamakamuri akanga ari makubhiti mashanu paukobvu. Uye chikumbaridzo chesuo rakanga riri parutivi rwebiravira rakatarisana netemberi chaiita tsvimbo imwe chete pakudzika.

8. Ipapo akayera biravira resuo;

9. rakanga rakadzika kwamakubhiti masere uye mbiru dzacho makubhiti maviri paukobvu. Biravira resuo rakanga rakanangana netemberi.

10. Mukati mesuo rokumabvazuva makanga muna makamuri matatu parutivi rumwe norumwe; ose ari matatu akanga ane chiyero chakaenzana.

11. Ipapo akayera upamhi hwomukova wokusuo; wakanga una makubhiti gumi uye urefu hwacho hwaisvika makubhiti gumi namatatu.

12. Pamberi pekamuri rimwe nerimwe pakanga pana madziro akareba kubhiti rimwe chete, uye makamuri akanga ana makubhiti matanhatu akaenzana.

13. Ipapo akayera musuo kubva nechokumusoro kwamadziro kumashure kwerimwe ramakamuri nechokumusoro kwakatarisana nerimwe; nhambwe dzakanga dzichisvika makubhiti makumi maviri namashanu kubva pakazaruka pamadziro kusvikira kuno rumwe rutivi rwakatarisana nawo.

14. Akayera pakatarisana namasvingo aionekwa achipoteredzwa nechomukati mesuo, makubhiti makumi matanhatu. Akayera kusvika pabiravira rakatarisana noruvazhe.

15. Nhambwe dzaibva pamukova wesuo kusvikira kwokupedzisira kwebiravira dzakanga dziri makubhiti makumi mashanu.

16. Makamuri namasvingo aionekwa omukati mesuo akanga akavharirwa nechidziro namawindo maduku akapoteredza, sezvakanga zvakaita pabiravira; napamawindo akapoteredza akatarisa nechomukati; mberi kwamasvingo kwakanga kwakashongedzwa nemiti yemichindwe.

17. Ipapo akandipinza muruvazhe rwokunze. Ndakaona dzimba ikoko uye nzira dzakanga dzakavakirwa dzakakomberedza ruvazhe; makanga muna makamuri makumi matatu aiva mujinga menzira yakavakirwa.

18. Dzakanga dzakaganhurana norutivi rwamasuo uye zvakaenzana paupamhi nokureba; ndiyo yakanga iri nzira yakavakirwa yenyasi.

19. Ipapo akayera nhambwe kubva nechomukati kwerutivi rwesuo rezasi kusvikira kunze kworuvazhe rwomukati; rwakanga runa makubhiti zana nechokumabvazuva, uye nechokumusorowo.

20. Ipapo akayera urefu noupamhi hwesuo rakatarisana nechokumusoro raienda kuruvanze rwokunze.

21. Makamuri aro, matatu kurutivi rumwe norumwe, masvingo aro aionekera nebiravira raro zvakanga zvakaenzana nezviya zvesuo rokutanga. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rina makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.

22. Mawindo aro, mabiravira aro uye miti yokushongedza yemichindwe, zvakanga zvakangoenzana nezviya zvesuo rakanga rakatarisa kumabvazuva. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho.

23. Pakanga pane suo rinopinda muruvazhe rwomukati rakanga rakanangana nesuo rokumusoro, sezvazvakanga zvakaitawo nechokumabvazuva. Akayera kubva pane rimwe suo kusvikira pane rakanangana naro; aiva makubhiti zana.

24. Ipapo akanditungamirira kurutivi rwezasi ndikaona suo rakatarisa zasi. Akayera mbiru dzaro namabiravira aro, uye akanga akangoenzana namamwe pakuyera.

25. Suo rebiravira raro zvaiva namawindo maduku aipoteredza, samawindo amamwe. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rine upamhi huna makubhiti maviri namashanu.

Ezekieri 40