16. Seiko wakagara pakati pezvoto kuti unzwe muridzo unoridzirwa makwai? Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru.
17. Gireadhi akagara mhiri kwaJorodhani. Uye Dhani, akasarireiko pazvikepe? Asha akasara zvake pamahombekombe Uye akagara zvake panopinda mvura dzegungwa.
18. Vanhu veZebhuruni vakaisa upenyu hwavo panjodzi; neNafutari yakadarowo panzvimbo dzakakwirira dzeminda.
19. “Madzimambo akauya, akarwa; madzimambo eKenani akarwa paTaanaki pamvura zhinji yeMegidho, asi havana kudzoka vakatakura sirivha, kana zvakapambwa.
20. Kubva kumatenga nyeredzi dzakarwa, dziri panzira dzadzo dzakarwa naSisera.
21. Rwizi Kishoni rwakavakukura, irwo rwizi rwakare, rwizi Kishoni. Pfuurira mberi, mweya wangu, simba!
22. Ipapo mahwanda amabhiza akatinhira—kumhanya, kumhanya kwoune simba.
23. Mutumwa waJehovha akati,‘Tuka Merozi. Tuka vanhu varo zvikuru kwazvo, Nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, kubatsira Jehovha kurwisa vane simba.’
24. Jaeri ngaave mukadzi akaropafadzwa zvikuru, iye mukadzi waHebheri muKeni, akaropafadzwa kwazvo kupfuura vakadzi vagere mutende.
25. Akakumbira mvura, uye iye akamupa mukaka; akamuvigira mukaka wakakora mundiro yakafanira makurukota.
26. Ruoko rwake rwakatambanudzirwa pambambo yetende, ruoko rwake rworudyi kunyundo yomuvezi. Akabaya Sisera, akapwanya musoro wake, akapwanya uye akabvoora zvavovo zvake.
27. Patsoka dzake, akanyura, akawa; hoyo akatandavarapo. Patsoka dzake akanyura, akawa; paakanyura, ndipo paakawira, akafa.
28. “Napawindo mai vaSisera vakadongorera; vari seri kworutanda, vakadanidzira vachiti, ‘Seiko ngoro yake yanonoka kusvika? Seiko kurira kwengoro dzake kwanonoka?’
29. Vakadzi vokwake vakachenjera kukunda vose vanomupindura; zvirokwazvo, anoramba achiti,
30. ‘Ko, havasi kuwana nokugoverana zvakapambwa here vachiti, musikana mumwe chete kana vaviri pamurume mumwe chete, nguo dzina mavara dzezvakapambwa zvaSisera, nguo dzina mavara dzakarukwa, nguo dzakanyatsorukwa dzomutsipa wangu, zvose izvi zviri zvakapambwa?’
31. “Saka vavengi venyu vose ngavaparare, imi Jehovha! Asi vanokudai ngavave sezuva parinobuda nesimba raro.”Ipapo nyika yakava norugare kwamakore makumi mana.