Vahebheru 10:29-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?

30. Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.”

31. Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.

32. Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika.

Vahebheru 10