Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 7:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu, iwe mwanasikana womuchinda! Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo, basa ramaoko emhizha.

2. Guvhu rako rakatenderera somukombe unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka. Chiuno chako murwi wegorosi wakakomberedzwa namaruva.

3. Mazamu ako akaita setsvana mbiri, mapatya emhara.

4. Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou. Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni pasuo reBhati Rabhimi. Mhuno yako yakaita seshongwe yeRebhanoni yakatarisa kudivi reDhamasiko.

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 7