Revhitiko 8:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, “Bikai nyama pamusuo weTende Rokusangana mugoidyira ipapo nechingwa chomudengu rezvipiriso zvokugadzwa sezvandakarayira ndichiti, ‘Aroni navanakomana vake vanofanira kuchidya.’

32. Ipapo mugopisa zvose zvasara panyama nechingwa.

33. Musabva pamusuo weTende Rokusangana kwamazuva manomwe kusvikira mazuva okugadzwa kwenyu apera, nokuti kugadzwa kwenyu kuchapedza mazuva manomwe.

34. Zvaitwa nhasi zvakarayirwa naJehovha kuti akuyananisirei.

Revhitiko 8