Revhitiko 7:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Asi kana munhu asina kuchena akadya nyama iyi yokuwadzana yaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

21. Kana munhu akabata chinhu chisina kuchena, kunyange kusachena kwavanhu, kana mhuka isina kuchena, kana chose chisina kuchena, chinhu chinonyangadza, uye akazodya nyama ipi yechipiriso chokuwadzana chaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”

22. Jehovha akati kuna Mozisi,

23. “Uti kuvana veIsraeri, ‘Musadya mafuta api zvawo emombe, makwai kana mbudzi.

24. Mafuta echipfuwo chinenge chawanikwa chakafa kana chabvamburwa nezvikara zvesango anogona kushandiswa pana mamwe mabasa asi hamufaniri kuadya.

25. Munhu wose anodya mafuta emhuka inoitwa nayo chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

26. Kwose kwose kwamunogara hamufaniri kudya ropa reshiri kana mhuka ipi zvayo.

27. Kana munhu upi zvake akadya ropa, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”

28. Jehovha akati kuna Mozisi,

29. “Uti kuvana veIsraeri, ‘Munhu wose anouya nechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha anofanira kuuya nechikamu chacho sechibayiro kuna Jehovha.

30. Namaoko ake anofanira kuuya nechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, anofanira kuuya namafuta pamwe chete nechityu, agoninira chityu kuna Jehovha sechipiriso chokuninira.

31. Muprista achapisa mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake.

Revhitiko 7