14. Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondohwe maviri, zvikamu zviviri mugumi,
15. uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi.
16. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.
17. “ ‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondohwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara.
18. Mugadzire nehando, namakondohwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
19. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.
20. “ ‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondohwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
21. Mugadzire pamwe chete nehando, makondohwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
22. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
23. “ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondohwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
24. Pamwe chete nehando, namakondohwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
25. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa.
26. “ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondohwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
27. Pamwe chete nehando, makondohwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
28. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
29. “ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondohwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara.
30. Pamwe chete nehando, namakondohwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
31. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
32. “ ‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondohwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.