Numeri 26:14-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pana varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri.

15. Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva: Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani; Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi; Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi;

16. Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini; Eri, kwakabva mhuri yavaEri;

17. Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi; Areri kwakabva mhuri yavaAreri.

18. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu.

19. Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani.

20. Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva: Shera, kwakabva mhuri yavaSherani; Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi; Zera, kwakabva mhuri yavaZera;

21. Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.

22. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu.

Numeri 26