Mapisarema 93:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi.

3. Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza, makungwa akasimudza manzwi awo; makungwa akasimudza mafungu anotinhira.

4. Mukuru kukunda mutinhiro wemvura zhinji, mukuru kukunda mafungu egungwa, Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru.

5. Zvirevo zvenyu hazvishanduki; utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha, kwamazuva asingaperi.

Mapisarema 93