Mapisarema 63:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura.

2. Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.

3. Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai.

Mapisarema 63