Mako 5:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.

14. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika.

15. Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya.

16. Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga akabatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo.

Mako 5