11. Ndiye“ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki,rakazova musoro wekona.’
12. Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”
13. Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu.
14. Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura.
15. Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ipapo vakasara vachitaurirana.
16. Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba.
17. Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.”
18. Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu.
19. Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari.
20. Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.”
21. Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavatonga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika.
22. Nokuti murume akanga aporeswa akanga ana makore anodarika makumi mana.
23. Vakati vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuvanhu vokwavo vakandovaudza zvose zvakanga zvarehwa navaprista vakuru navakuru.
24. Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo.
25. Makataura noMweya Mutsvene kubudikidza nomuromo womuranda wenyu, baba vedu Dhavhidhi, muchiti:“ ‘Ndudzi dzinoitireko hasha uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?