15. Inzwi rakataurazve kwaari kechipiri richiti, “Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina.”
16. Izvi zvakaitika katatu, pakarepo jira rikadzoserwa kudenga.
17. Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo.
18. Vakadanidzira vachibvunza kana pakanga pari ipo paigara Simoni ainziwo Petro.
19. Petro achiri kufunga pamusoro pechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Simoni, pana varume vatatu vari kukutsvaka.
20. Saka simuka uburuke uende pasi. Usatya kuenda navo, nokuti ndini ndavatuma.”
21. Petro akaburuka akandoti kuvarume ava, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingeiko?”
22. Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.”