Jeremia 27:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ipapo ugotuma shoko kuna mambo weEdhomu, nokuna mambo weMoabhu, noweAmoni, noweTire neSidhoni noruoko rwenhume dzinouya kuJerusarema kuna Zedhekia mambo weJudha.

4. Uvape shoko ravanatenzi vavo uchiti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose iye Mwari waIsraeri, “Taurai izvi kuna vanatenzi venyu kuti:

5. Ndakaita nyika navanhu vayo, nemhuka dziri mairi nesimba rangu guru uye noruoko rwakatambanudzwa, uye ndinoipa kuna ani zvake anondifadza.

6. Zvino, ndichapa nyika dzako dzose kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; uye kuti kunyange zvikara zvesango zvive pasi pake.

7. Ndudzi dzose dzichamushandira, iye nemwanakomana wake, nomuzukuru wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvika; ipapo ndudzi zhinji namadzimambo makuru achamuita muranda.

8. “Kunyange zvakadaro, kana rudzi rupi norupi kana ushe hupi nohupi hukasazoshandira Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi kana hukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko rake, ndicharanga rudzi urwo nomunondo, nenzara uye nedenda, kusvikira ndarupedza noruoko rwake, ndizvo zvinotaura Jehovha.

9. Saka musateerera vaprofita venyu, navavuki venyu, kana vanodudzira hope kana vafemberi kana varoyi vanokuudzai kuti, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi.

Jeremia 27