1. “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabata kuti akunde ndudzi pamberi pake, uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo, kuti ndizarure mikova pamberi pake, masuo agorega kupfigwa:
2. Ndichaenda mberi kwako uye ndichaenzanisa makomo; ndichaputsa masuo endarira uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi.
3. Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, anokudana nezita rako.