24. Ndiani akarega Jakobho achipambwa, akaendesa Israeri kuvapambi? Akanga asiri Jehovha here, iye watakatadzira? Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake; havana kuteerera murayiro wake.
25. Naizvozvo akadururira hasha dzake dzinopisa pamusoro pavo, iro bongozozo rehondo. Rakavaputira muvira romoto, asi havana kunzwisisa; rakavapisa, asi mwoyo yavo yakashaya hanya nazvo.