Isaya 13:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Semhara inovhimwa, samakwai asina mufudzi, mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.

15. Mumwe nomumwe achabatwa achabayiwa, vose vanobatwa vachaurayiwa nomunondo.

16. Vacheche vavo vacharoverwa pasi vagobvamburwa-bvamburwa vachizviona; dzimba dzavo dzichapambwa uye vakadzi vavo vachachinyiwa.

17. Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia vasina hanya nesirivha, uye vasingafariri goridhe.

Isaya 13