1. Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakakonzera kuwa kwako!
2. Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.
3. Asiria haangatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana nyasha mamuri.”
4. “Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.