Genesisi 48:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Israeri akati aona vanakomana vaJosefa, akabvunza akati, “Ndivanaani ava?”

9. Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vandakapiwa pano naMwari.”Ipapo Israeri akati, “Uya navo pano ndivaropafadze.”

10. Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira.

11. Israeri akati kuna Josefa, “Handina kumbofunga kuti ndichaona chiso chakozve, uye zvino Mwari anditendera kuti ndione vana vakowo.”

Genesisi 48