Ezira 7:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Uye iwe, Ezira, maererano nouchenjeri hwaMwari wako, hwaunahwo, ugadze vaongorori vemhosva, navatongi kuti vatonge nokururamisira vanhu vose vari mhiri kwaYufuratesi, vose vanoziva mirayiro yaMwari wako. Uye unofanira kudzidzisa vose vasingaizivi.

26. Ani naani asingateereri murayiro waMwari wako uye nomurayiro wamambo, zvirokwazvo anofanira kurangwa norufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa pfuma, kana kuiswa mutorongo.

27. Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari wamadzibaba edu, uyo akaisa izvi mumwoyo mamambo, kuti auyise kukudzwa kuimba yaJehovha muJerusarema nenzira yakadai,

Ezira 7