4. Kana uchiramba kuvatendera kuenda, ini ndichauyisa mhashu munyika yako mangwana.
5. Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiya shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako.
6. Dzichazadza dzimba dzako nedzamachinda ako nedzavaIjipita vose, chinhu chisina kumboonekwa namadzibaba ako kana madzitateguru ako kubva pazuva ravakagara munyika ino kusvika zvino.’ ” Ipapo Mozisi akatendeuka akabva pana Faro.
7. Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?”