17. Jehu akati asvika kuSamaria, akauraya vakasara vose veimba yaAhabhu; akavaparadza, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha kuna Eria.
18. Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose pamwe chete akati kwavari, “Ahabhu akashumira Bhaari zvishoma; Jehu achamushumira zvakanyanya.
19. Zvino chikokai vaprofita vose vaBhaari, navashumiri vake vose. Muone kuti hapana anosara, nokuti ndiri kuzoita chibayiro chikuru chaBhaari. Ani naani achatadza kuuya haangararami.” Asi Jehu akanga achivanyengera achiitira kuti aparadze vashumiri vaBhaari.
20. Jehu akati, “Danidzirai ungano yokuremekedza Bhaari.” Naizvozvo vakadanidzira.
21. Ipapo akatuma shoko muIsraeri mose, vashumiri vose vaBhaari vakauya; hapana kana mumwe chete akasara. Vakatsikirirana mutemberi yaBhaari kusvikira yazara kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe.