2. Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake.
3. Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye.
4. Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake.
5. Chimwe nechimwe chaaitumwa naSauro kuti aite, Dhavhidhi aizviita nomazvo chaizvo zvokuti Sauro akazomupa chinzvimbo chapamusoro-soro muhondo. Izvi zvakafadza vanhu vose, uye namachinda aSaurowo.
6. Varume vakati vodzoka kumba, mushure mokunge Dhavhidhi auraya muFiristia, vakadzi vakabuda kundochingamidza Mambo Sauro vachibva kumaguta ose eIsraeri vachiimba, vachitamba, nziyo dzomufaro uye namatambureni nenyere.
7. Pavaitamba, vaiimba vachiti, “Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.”
8. Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?”
9. Kubva panguva iyoyo Sauro akatarira Dhavhidhi neziso rine godo.
10. Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake.
11. Uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose.
12. Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro.
13. Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo.
14. Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye.
15. Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya.
16. Asi vaIsraeri navaJudha vose vaida Dhavhidhi, nokuti akavatungamirira muhondo dzavo.
17. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Hoyu Merabhi mwanasikana wangu mukuru. Ndichamupa kwauri kuti ave mukadzi wako; chete iwe chindishandira wakashinga uye urwe hondo dzaJehovha.” Nokuti Sauro akafunga mumwoyo make achiti, “Handichasimudzi ruoko rwangu kuti ndirwe naye. VaFiristia ngavaite izvozvo!”
18. Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini ndini ani hangu, uye mhuri yangu chiiko, kana imba yababa vangu muIsraeri, kuti ndive mukuwasha wamambo?”
19. Saka nguva yakati yasvika yokuti Merabhi, mwanasikana waSauro, apiwe kuna Dhavhidhi, akawaniswa kuna Adhirieri weMehorati.
20. Zvino Mikari mwanasikana waSauro akanga achida Dhavhidhi, saka vakati vaudza Sauro izvozvo, akafara.
21. Akafunga akati, “Ndichamupa iye kwaari, kuitira kuti agova musungo kwaari uye kuitira kuti zvimwe ruoko rwavaFiristia rungarwe naye.” Saka Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Zvino wava nomukana wechipiri wokuti uve mukuwasha wangu.”