1 Samueri 10:15-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Babamunini vaSauro vakati, “Ndiudzei kuti Samueri akati kudii kwamuri.”

16. Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri.

17. Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa

18. akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri, ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’

19. Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.”

20. Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa.

21. Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, imba neimba, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa.

1 Samueri 10