1 Makoronike 9:41-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Vanakomana vaMika vaiva Pitoni: Mereki, Tahirea naAhazi.

42. Ahazi aiva baba vaJadha, Jadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri, uye Zimiri aiva baba vaMoza.

43. Moza aiva baba vaBhinea; Refaya aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake.

44. Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo: Azirikami, Bhokeru, Ishumaeri, Sheariya, Obhadhia naHanani. Ava ndivo vaiva vana vaAzeri.

1 Makoronike 9