1 Makoronike 9:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Avo vaibva kuJudha, nevaibva kwaBhenjamini nevaibva kwaEfuremu naManase vaigara muJerusarema vaiva:

4. Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmiri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, chizvarwa chaPerezi mwanakomana waJudha.

5. VaShiro: Asaya uyo aiva dangwe navanakomana vake.

6. VaZerahi: Jeueri. Vanhu vaibva kuJudha vaiva mazana matanhatu namakumi mapfumbamwe.

7. VaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waHodhavhia, mwanakomana waHasenua;

8. Ibhineya mwanakomana waJerohami; Era mwanakomana waUzi, mwanakomana waMikiri naMeshurami mwanakomana waShefatia, mwanakomana waReueri, mwanakomana waIbhiniya.

1 Makoronike 9