24. kuitira kuti chisimbiswe uye kuti zita renyu rive guru nokusingaperi. Ipapo vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ndiye Mwari waIsraeri.’ Uye imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
25. “Imi Mwari wangu, mazivisa muranda wenyu kuti muchamuvakira imba. Saka muranda wenyu atsunga kuti anyengetere kwamuri.
26. Haiwa Jehovha, muri Mwari! Mavimbisawo zvinhu izvi zvakanaka kumuranda wenyu.
27. Zvino makafadzwa kuti muropafadze imba yomuranda wenyu kuti ienderere mberi nokusingaperi pamberi penyu, nokuti imi, imi Jehovha, mairopafadza uye ichava yakaropafadzwa nokusingaperi.”