25. Mikaya akapindura akati, “Uchazviziva musi wauchaenda kundohwanda muimba yomukati.”
26. Ipapo mambo weIsraeri akarayira akati, “Torai Mikaya mumudzosere kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo
27. muti, ‘Zvanzi namambo: Isai munhu uyu mutorongo murege kumupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka norugare.’ ”
28. Mikaya akati, “Kana zvikaitika kuti madzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni.” Ipapo akatizve, “Inzwai mashoko angu imi vanhu mose!”
29. Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakaenda kuRamoti Gireadhi.