1. Ko, uchenjeri hahudanidziri here? Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here?
2. Panzvimbo dzakakwirira panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
3. parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova, hunodanidzirisa huchiti,
4. “Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira; ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose.
5. Imi vasina mano, wanai uchenjeri; imi mapenzi, wanai kunzwisisa.
6. Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura; ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama.