Zvirevo 7:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; nyatsoteererai zvandinotaura.

25. Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake, kana kurasikira pamakwara ake.

26. Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi; vaakauraya vakawanda kwazvo.

27. Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu.

Zvirevo 7