22. Pakarepo akamutevera senzombe inoenda kundobayiwa, senondo inopinda mumusungo,
23. kusvikira museve wabaya chiropa chake, seshiri inokurumidza kupinda muugombe, asingazivi kuti zvichamuurayisa.
24. Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; nyatsoteererai zvandinotaura.
25. Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake, kana kurasikira pamakwara ake.
26. Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi; vaakauraya vakawanda kwazvo.
27. Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu.