Zvirevo 4:19-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe.

20. Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu.

21. Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako;

22. nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.

23. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.

24. Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.

25. Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako.

Zvirevo 4