13. Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira.
14. Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.
15. Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya nokupa varandakadzi vake basa ravo.
16. Anonan'anidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
17. Anoita basa rake nesimba; kuti aite maoko ake akasimba mabasa ake.