Zvirevo 3:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,

2. nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira.

3. Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa yomwoyo wako.

4. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu.

5. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;

6. munzira dzako dzose umutende, uye acharuramisa nzira dzako.

7. Usazviita munhu akachenjera pameso ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.

8. Izvi zvichava utano pamuviri wako nokusimbiswa kwamapfupa ako.

9. Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako;

10. ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.

Zvirevo 3