Zvirevo 27:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda, nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,

26. makwayana achakuwanisa zvokupfeka, uye mbudzi nomutengo womunda.

27. Uchava nomukaka wembudzi wakawanda wokudya iwe nemhuri yako, uye wokuraramisa varandakadzi vako.

Zvirevo 27