7. Samakumbo echirema akangorembera ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.
8. Sokusungira ibwe pachipfuramabwe ndizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi.
9. Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa, ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi.
10. Somuwemburi weuta anopfura pose pose, ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake.
11. Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro.
12. Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here? Benzi rinotova netariro kupfuura iye.
13. Simbe inoti, “Kune shumba kunzira, shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!”
14. Segonhi rinotenderera pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo.
15. Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo.
16. Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.
17. Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye.
18. Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto, kana miseve inouraya,
19. ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!”
20. Pasina huni moto unodzima; pasina makuhwa kukakavara kunopera.
21. Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto, ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.
22. Mashoko eguhwa akaita semisuva yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu.
23. Samarara esirivha akanamirwa kunze kwomudziyo wevhu, ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa.
24. Muparadzi anozvivanza namatauriro ake, asi mumwoyo make akaviga ruvengo.
25. Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura, nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.