Zvirevo 22:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda waanomupa chikwereti.

8. Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.

9. Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake.

10. Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma.

11. Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo.

Zvirevo 22