Zvirevo 20:26-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.

27. Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make.

28. Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.

29. Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.

30. Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.

Zvirevo 20