Zvirevo 18:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Hazvina kunaka kutsaura akaipa kana kusaruramisira asina mhosva.

6. Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara, uye muromo wake unomukokera kurohwa.

7. Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro, uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.

8. Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa; anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.

Zvirevo 18