Zvirevo 16:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.

2. Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa.

3. Isa kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira.

Zvirevo 16