Zvirevo 13:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa.

5. Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza.

6. Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.

7. Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu; mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji.

8. Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haanzwi kutyisidzirwa.

9. Chiedza chowakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa.

10. Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.

11. Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

12. Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.

13. Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.

Zvirevo 13