Zvirevo 13:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.

19. Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.

20. Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.

21. Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.

Zvirevo 13