29. Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete, uye benzi richava muranda womunhu akachenjera.
30. Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu, uye anodzora mweya yavanhu ndiye akachenjera.
31. Kana vakarurama vachiwana zvakavafanira panyika, ko, kuzoti akaipa nomutadzi!