Zvirevo 10:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka, asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.

21. Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji, asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo.

22. Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi, uye haawedzeri matambudziko kwahuri.

23. Benzi rinofadzwa nokuita zvakaipa, asi munhu anonzwisisa anofarira uchenjeri.

Zvirevo 10