Zvakazarurwa 7:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo.

10. Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti:“Ruponeso ndorwaMwari wedu,iye anogara pachigaro choushe,uye ndorweGwayana.”

11. Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari,

12. vachiti:“Ameni!Kurumbidzwa nokubwinyanouchenjeri nokuvonga nokukudzwanoushe nesimba ngazvivekuna Mwari wedu nokusingaperiperi.Ameni!”

13. Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?”

Zvakazarurwa 7