Zvakazarurwa 22:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.

20. Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.”Ameni. Uyai, Ishe Jesu.

21. Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.

Zvakazarurwa 22