Zvakazarurwa 20:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake

8. uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa.

9. Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza.

10. Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri.

11. Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, uye zvikashayirwa nzvimbo.

12. Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.

Zvakazarurwa 20