Zvakazarurwa 2:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Wakatsungirira uye ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta.

4. Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga.

5. Rangarira pawakawa! Tendeuka uye uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho.

6. Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.

7. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.

Zvakazarurwa 2