Zvakazarurwa 12:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu.

16. Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo uye ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo.

17. Ipapo shato yakatsamwira mukadzi uye ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vachibatirira pauchapupu hwaJesu.

Zvakazarurwa 12